Psalms 43

1Ndiruramisirei, imi Mwari,
uye mundireverere mhaka yangu parudzi rusina Mwari;
ndinunurei pavanhu vanonyengera nevakaipa.
2Ndimi Mwari nhare yangu.
Mandirambireiko?
Ndinofambireiko pose ndichichema
ndichidzvinyirirwa navavengi?
3Tumirai chiedza chenyu nechokwadi chenyu,
ngazvinditungamirire;
ngazvindisvitse kugomo renyu dzvene,
kunzvimbo yamunogara.
4Ipapo ndichaenda kuaritari yaMwari,
kuna Mwari, iye mufaro wangu nomudikani wangu.
Ndichakurumbidzai nembira,
imi Mwari, Mwari wangu.

5Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?
Unotambudzwa neiko mukati mangu?
Isa tariro yako muna Mwari,
nokuti ndichamurumbidzazve,
Muponesi wangu naMwari wangu.
Copyright information for SnaBDSC